RBZ Inoti maBond Notes Achatanga Kushandiswa Mwedzi Unouya

  • Ntungamili Nkomo

Dr John Mangudya

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya nemusi weChina vakazivisa kuti hurumende ichaparura chirongwa chekushandisa mari yemabond notes mukupera kwemwezdi unouya.

VaMagudya vakataura mashoko aya apo vaiparura chirongwa chavo chegwara rekufambiswa kwenyaya dzemari kana kuti Monetary Policy statement review.

Vanoti mari iyi inenge iine huremu hwakafanana nedhora rekuAmerica. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti uku kungotaura uye muromo hauzarirwe nerwizi. Vakawanda vari kutya kuti mari iyi ichashaya simba semari yemabearer cheques yakamboparurwa nebhanga iri richiri pasi paVaGideon Gono.

Asi VaMangudya vati vanovimba kuti mari iyi ichatambirwa zvakanaka kunyangwe vamwe vange vototanga kuratidzira.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaRejoice Ngwenya vaudza Studio 7 kuti havaone vanhu vachitambira mabond notes aya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRejoice Ngwenya

VaMangudya vanoti vachatanga kuparura mari dzinobva pamadhora maviri kusvika pamadhora mashanu. Vatiwo vachatanga nemari inosvika madhora mamiriyoni makumi manomwe nemashanu.

Zimbabwe inoti ichapihwa mari inosvika mamiriyoni mazana maviri nebhanga reAfrica Export Import Bank.

Mari itsva iyi ichange ichishandiswa panguva imwe chete nemari dzedzimwe nyika dzakaita sedhora rekuAmerica, pula, rand nedzimwe mari dziripo iko zvino.