Mapato Anopikisa Oshora Mapurisa neKuvarambidza Kuratidzira

  • Thomas Chiripasi

VaMorgan Tsvangirai

Mapato anopikisa anoti haasi kufara nedanho rakatorwa nemapurisa rekurambidza kuratidzira muHarare kwemwedzi wese achiti zvakaitwa izvi zviri kunze kwemutemo.

Mamwe emapato arikushanda ari mumubatanidzwa wemapoka arikurwira kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe uri kudaidzwa kuti National Elections Reform Agenda, kana kuti NERA, anoti danho rakatorwa nemapurisa rekurambidza kuratidzira muHarare kwemwedzi wese rinotyora zviri mubumbiro remitemo yenyika.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti bumbiro remitemo rinobvumidza kuti vanhu varatidzire murunyararo nokudaro bato iri rinoti harisi kuzoramba rakanyarara hurumende ichityora bumbiro iri.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti vave kukwidza nyaya iyi kumatare edzimhosva.Mashoko eMDCT atsinhirwa nebato reZimbabwe People First rinotungamirirwa nevaimbova mutevedzeri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Mutauriri webato iri VaJealous Mawarire vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nemapurisa kushora zvakataurwa neveruzhinji pavakavhotera bumbiro idzva remitemo yenyika.

VaMawarire vakurudzira kuti kuratidzira uku kuitwe mune dzimwe nzvimbo dzose munyika sezvo mapurisa arikuramba kuti kuratidzira uku kuitwe muHarare. Zvichakadaro, VaGutu vati kuratidzira kwavakaronga seNERA kuchaenderera mberi neMugovera zvisinei nekuti mapurisa anoda here kana kuti kwete.

Mapurisa akarova varatidziri zvakaomarara mwedzi wapera nekuvadira hutsi hunokachidza paida kuratidzirwa neNERA muHarare kunyange hazvo dare repamusoro rakange rapa NERA mvumo yekuenderera mberi nekuratidzira uku.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti kurambidza kuratidzira kuri kuitwa nehurumende kunoburitsa pachena kuti hurumende yave panyanga dzaMushore.

Mamwe mapato ari mumubatanidzwa weNERA ari pakati pekugadzira musangano wechimbichimbi kuti azeye kuti odii zvichitevera gwara rakatorwa nemapurisa nezuro iri.

Mapato anopikisa aya anotiwo haana kupihwa mukana nemapaurisa wekupawo pfungwa dzavo panyaya iyi chiziviso ichi chisati chashambadzirwa.

Svondo rapera, dare repamusoro rakatura mutongo wekuti kana mapurisa achitora matanho akadai anofanira kutanga apa vanhu mukana wekupa pfungwa dzavo sezvinotaurwa nemutemo wePublic Order and Security Act kwete kungoita madiro aJojina.

Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 parunhare kuti mapurisa haasi kuzodududza padanho raatora iri vachiti ibasa ravo semapurisa kuti vaone kuti munyika mune runyararo pane nekutevedzerwa kwemitemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi