VeChechi yeRoma Vanoti Havasi Kufara neMamiriro Aita Zvinhu muNyika

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe vari pakugadzwa kwaPope muna 2013

Munyori mukuru wesangano reCatholic Bishop’s Conference of Zimbabwe, Father Frederick Chiromba vanoti semakereke vari kushushikana zvikuru nemamiriro aita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.

Vachitaura nenhepfenyuro yeVatican Radio, Father Chiromba vanoti kusabuda pachena kwemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti ndiyani achatora chigaro chavo kana vasiya basa kuri kukonzera kusagadzikana munyika.

Vatiwo munyika mave kuda nhaurirano dzemapato ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira oga uye vemakereke.

Vemachechi vakawanda vave kubudawo pachena vachiti zvinhu munyika zvinoda kugadziriswa. Asi VaMugabe vanoti nyaya yezvirango ndiyo yapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFredrick Chiromba