Mutori weNhau Akarohwa kuBulawayo neVamwe Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

  • Taurai Shava

VaCrispen Ndlovu

Mejastiriti wemuBulawayo Amai Evelyn Mashavakure nemusi weChishanu vakatura mutongo wekuti vanhu vashanu pavanomwe vakasungwa nemusi weChitatu muguta iri vatongwe vachibva kumba.

Mutongi uyu akatiwo mumwe wechitanhatu uye ari mutori wenhau VaCrispen Ndlovu uyo ari muchipatara pari zvino aende hake kumba kana apora ozodeedzwa nemasamanisi kana ave kudiwa.

Rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava rakumbira dare kuti paitwe ongororo yekurohwa kwakaipisisa kunonzi kwakaitwa vanhu ava vari muhusungwa.

Amai Mashavakure vakabvuma chikumbiro chemagweta chekuti vanhu ava, avo vakasungwa nemusi weChitatu muBulawayo apo mapurisa akamisa kuratidzira kwaida kuitwa nevame vechidiki vesangano reBulawayo Youth Arise kana kuti BUYA, vatongwe vachibva kumba uye vasina kubhadhariswa chibatiso.

VaNdlovu uyo aivepowo pavanomwe ava, ari muchipatara pari zvino uye dare rabvuma kuti aende zvake kumba kana apora, ozoita zvekudeedzwa namasamanisi kana ave kudiwa kudare.

Mhosva yange ichipomerwa mumwe wechinomwe yaraswa sezvo ari munhu asati abva zera.

Rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava vachishanda vari pasi peZimbabwe Lawyers for Human Rights vaLizwe Jamela vabudira dare pachena kuti havazi kufara nekurohwa kunonzi kwakaitwa vasungwa ava nemapurisa pamwe nekusabvumidzwa kuti vaonekwe naanachiremba, vakapa chikumbiro kudare chekuti nyaya iyi iongororwe.

VaJamela vaudzawo Studio 7 kuti vanoshushikana nemaitiro emapurisa ekuramba achityora kodzero dzevanhu.

VaAlfred Dzirutwe vanove mutauriri weBUYA uye variwo mumwe wevakasungwa nemusi weChitatu uyu vaudzawo Studio 7 kuti vari kunzwa muviri wavo uchirwadza nekuzvindikitwa kwavakaitwa uye vashorawo maitiro emapurisa aya vachiti anoratidza kusaremekedza kodzero dzevanhu.

Mune imwewo nyaya, dare repamusoro reHigh Court rakatambira chikumbiro chemagweta ange achimirira bato reMDC T chekuti mapurisa asavhiringidza kuratidzira kwange kuchida kuitwa nemapato ezvematongerwo enyika ari pasi peNational Election Reform Agenda muBulawayo nemusi weChishanu. Gweta VaKholwani Ngwenya vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare reHigh Court amai Nokuthula Moyo vabvuma chikumbiro chechimbi-chimbi chavange vaita.

Asi kuratidzira uku kwange kwabvumirwa kuti kutange panguva dzekuma12 masikati kusvika na3 masikati hakuna kuzobudirira sezvo pange pagara pabuda mashoko ekuti mapato ari pasi peNERA ange ati kuratidzira uku kwange kwave kuzoitwa rimwe zuva.

Mukupeta nyaya dzemuBulawayo, mutevedzeri wemutauriri webato reZAPU VaIphithule Maphosa vaudza Studio 7 kuti chikwata chemapurisa ange akapakatira zvombo chakasvika pamahofisi ebato iri panguva dzekuma11 mangwanani eChishanu chikadzinga vashandi nevamwe vatsigiri vebato iri vashoma vange varipo.

VaMaphosa vati mapurisa aya aramba kupa chikonzero chekudzinga vanhu pamahofisi avo asi vanofungidzira kuti izvi zvange zvine chekuita nehurongwa hwekuti mutungamiri webato reZapu VaDumiso Dabengwa vange vari mumwe wevatungamiri vange vachitarisirwa kuve pakuratidzira kwange kuchida kuitwa nemapato ari pasi peNERA.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi. Mapato ezvematongerwo enyika ari pasi peNERA anoti ari kuda kuti mitemo yesarudzo munyika ivandudzwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava