Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe magweta anorwira kodzero dzevanhu vakabatana nemusi weChishanu mukupikisa kudare repamusoro mutemo wakadzikwa nemapurisa wekudzivisa vanhu kuratidzira pakati peguta reHarare.
NeChina mapurisa akaisa mutemo unoshanda kwechinguva chishoma unonzi “Prohibition Order” wekurambidza kuratidzira muguta kwemavhiki maviri.
Kurambidzwa kwekuratidzira kwakaturwa mubepa rehurumende kana kuti Government Gazette kuburikidza ne Statutory Instrument 101 (a) yakaturwa nechimbichimbi.
Kuratidzira muguta kuri kurambidzwa kubva musi wa 2 Gunyana kusvika musi wa 16 Gunyana. Izvi zvakaitwa pasi pemutemo wePublic Order and Security Act kana kuti POSA.
Mapurisa anotiwo ambomisa kwemwedzi mitatu kutakurwa kwezvinhu zvavanofunga kuti zvingangoshandiswa mumhirizhonga izvi zvinosanganisa zvinhu zvakaita sematemo nemapfumo.
Zvose izvi zviri kuuya mushure mekunge masangano akawana nevemapato anopikisa vatanga kuratidzira zvakasimba vachiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakundikana kutonga.
Asi gweta, vachitungamra bato rinopikisa rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vaudza Studio 7 kuti mapurisa haana mvumo yekuita izvi pasi pebumbiro remutemo idzva.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTendai Biti
Asi gweta uye vachimbomirira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaTerrence Hussein vati hapana chakaipa pane zviri kuitwa nemapurisa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTerrence Hussein