VeTajamuka Vanoti Vanhu Vakawanda Vari Kutambira Kurudziro yeKuratidzira muNyika Yose

VaStan Zvorwadza

Vesangano reTajamuka/Sesijikile vanoti hurongwa hwekuti vanhu munyika yese varamwe mabasa nemusi weChitatu huri kuenderera mberi zvisinei nekutyisidzirwa kwevanhu nevanofungidzirwa kuti ndevechidiki veZanu-PF, zvikurusei muguta reHarare.

VeTajamuka pamwe chete neve Hash Tag This Flag, vachitsigirwa nevemapato anopikisa, vanoti vanhu vanofanirwa kugara kudzimba dzavo nemusi weChitatu senzira yekuratidza kunyunyuta nehutongi hweZanu-PF.

VaStan zvorwadza vesangano reTajamuka vanoti vanhu vakawanda munyika vari kutambira hurongwa hwekuratidzira kunyangwe hurumende iri kutyisidzira vanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaStan Zvorwadza