ZAPU Yoparura Musangano Wayo weKongiresi kuBulawayo

  • Taurai Shava

VaDumiso Dabengwa

Musangano webato reZapu wekusarudza vatungamiri vebato iri vatsva watanga muBulawayo nhasi vamwe vatungamiri vemapato anopikisa vange vari pamusangano uyu, pamwe nevatsigiri vebato vachiti zvakakosha kuti mapato anopikisa munyika abatane kuti akwanise kubvisa bato reZanu PF pakutungamira nyika.

Musangano uyu watanga nguva dzemangwanani vatsigiri vebato iri vachiratidza kufara nechiitiko ichi.

Musangano uyu ndewechipiri kubvira pakamutsurudzwa bato reZapu mugore ra2008. Musangano wekutanga wekusarudza vatungamiri vebato iri wakaitwa muna 2010, uye musangano wanhasi wazoitwa nushure megore sezvo bato iri rakatadza kuita musangano uyu gore rakaperabnekuda kwekushaya mari.

Vamwe vatsigiri vebato iri vange vari pamusangano uyu vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kuti vatungamiri vachasarudzwa vachaita hurongwa hwemushandirapamwe nemanwe mapato anopikisa. Vati vanotarisirawo kuti bato iri richabatsira kuti kuzadzikiswa kwekuendeswa kwemasimba kumatunhu kuri mubumbiro remitemo yenyik kuzadzikiswe.

Mumwe wevatsigiri ava ndevamwe vangozvidoma nezita rekuti Ambuya Kapuya vekuChitungwiza avo vati vanotarisira kuti bato reZapu richabatana nevamwe mukuedza kubvisa bato reZanu PF muhutogi, vachiti kutadza kutungamira nyika kwebato iri ndiko kuri kuita kuti veruzhinji vaomerwe nehupenyu.

Mashoko aya atsinhirwa navaGideon Sibanda mutauriri wesangano reiBhetshulikazulu avo vange varipowo pamusangano uyu.

VaSibanda vati vanotarisira kuti vatsigiri vebato reZapu vachapa vatungamiri vavo rutsigiro rwose kuti vabatane nemanwe mapato anopikisa mukuyedza kuburitsa nyika mumatambufziko ayiri.

Vatungamiri vemapato anopikisa ari pasi pemubatanidzwa unoziikanwa kunzi CODE kusanganisira vaSimba Makoni, vaWelshman Ncube pamee navaGodden Moyo vange varipowo pakutanga kwemusangano uyu.

Mumashoko avo erutsigiro vaMakoni avo vanove mutungamiri weCODE pari zvino, vati bato reZapu rine nhoroondo yakajeka sebato rekutanga kurwira rusununguko rwevanhu munyika.
Vatiwo kuuya kwavaita pamusangano weZapu uyu mucherechedzo weshiviro yavo yekuti mapato anopikisa ashande pamwe chete mukugadzirisa nyika.

Sarudzo dzemutungamiri webato iri pamwe nezvimwe zvigaro dzinotarisirwa kuitwa mangwana. VaDumiso Dabengwa avo vakamutsutudza bato iri vachitsutsumwa nekusabatwa zvakanaka kwenhengo dzeveZapu mumubatanidzwa wavo pasi peZanu PF ndivo mutungamiri webato iri pari zvino.

Hapana ati anyatsobuda pachena kuti achakwikwidza vaDabengwa asi vanoziva zviri kuituka vanoti munyori mukuru webato iri vaRalph Mguni, avo vanogara kuUnited Kingdom, vari kudawo chigaro chehutungamiri. Musangano uyu unotarisirwa kupera neChishanu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava