Vanasorojena vesangano rinozivikanwa nekuti The Elders vari kukurudzira vatungamiri venyika dzemuSADC kuti vabatsire Zimbabwe isati yaenda kumawere.
Vakuru vesangano iri vanosanganisa vaimbova munyori mukuru weUnited Nnations VaKofi Annan, vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica vaJimmy Carter vaive mudzimai wamuchakabvu VaNelson Mandela, Amai Graca Machel Mandela, Archbishop Desmond Tutu nevamwe.
Mumashoko avo kuvatori venhau, vanasorojena ava vati Zimbabwe yatarisana nezambuko munyaya dzezvematongerwo enyika. Vati kugadzirisa nyaya yezvematongerwo enyika kwakakosha kwete kuZimbabwe chete asi kunyika dzose dzemuSADC.
Mashoko aya ari kuuya apo SADC yakatarisana nemusangano wesummit uri kuitirwa kuSwaziland mukupera kwemwedzi uno.
Vesangano reThe Elders ava vanoti zvakakosha kuti SADC izeye nyaya iyi. Zimbabwe iri kuita sarudzo muna 2018 asi zviri pachena kuti zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika hazvina kugadzikana.
Bato reZanu-PF ragara richishora veThe Elders ava richiti vanoda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe.
Chipangamazano cheCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge vanoti zviri kutaurwa neThe Elders ichokwadi nekuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo muZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoy Mabenge
Vanopikisa vari kugara vachiratidzira ukuwo vakuru vemauto nemaopurisa vachipomerwa mhosva yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika.