Hurumende Inoti VaMugabe Vakakundikana Kuenda kuGhana neKuti Vane Dzimwe Nzendo

  • Blessing Zulu

Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJoey Bimha vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havana kuenda kuGhana nenyaya yekuti vane dzimwe nzendo dzavari kufanira kuenda.

VaBimha vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vari kutarisirwa kuenda kumusangano weTokyo 6th International Conference on Africa Development kana kuti (Ticad) uri kuitirwa kuNairobi.

Musangano uyu uri kuitwa kubva musi wa 27 kusvika 28 mwedzi uno. VaBimha vatiwo VaMugabe vane dzimwe nzendo kuSwaziland kumusangano weSADC Summit uye vozoenda kumusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa kuNew York muna Gunyana.

VaMugabe vange vachitarisirwa kusvika muGhana nemusi weChitatu nenguva dza 4.00 masikati murwendo rwemazuva mana.

Kusaenda kwaVaMugabe uku kuri kuuya kunyangwe hazvo Ghana yange yatoisa mifananidzo muguta rose reAccra ichiti VaMugabe vari kushanya.

Izvi zvapa kuti vamwe vafungidzire kuti VaMugabe havasi kunzwa zvakanaka.

Mutungamiri weGhana VaJohn Mahama vange vachitariswirwa kupa VaMugabe chiremera cheMillennium Lifetime Achievement Award nebasa ravakabatwa muhondo yeChimurenga yeZimbabwe. Asi VaBimha vanoti vanhu vekuGhana vave kuzouya kuZimbabwe kuzopa VaMugabe mubayiro uyu.

Kunyangwe hazvo VaMugabe vasina kuenda, mabiko ange akarongwa anonzi ari kuenderera mberi. Vamwe vari kupihwa mubayiro uyu vanosanganisa Dr Kwabene Dafuor, Dr Joseph Siaw Agypong, Emmanuel Adebayo nevamwe.

Mapepanhau emuGhana anoti haasi kuziva kuti sei VaMugabe vasina kuuya achiti hapana chikonzero chakapihwa. Asi vamwe veCity News kuGhana vanoti vasina kuda kudomwa nemazita kumuzinda weZimbabwe kunyika iyi vakati VaMugabe vakakundikana nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Asi svondo rapera bepanhau reZimbabwe Independent rakati vana chiremba vaVaMugabe vakauya kubva kuSingapore sezvo vainge vasinganzwe zvakanaka.

Vemapepanhau nenhepfenyuro dzose dzehurumende muZimbabwe havana kutaura nezve kukundikana kuenda kuGhana kwaVaMugabe uku.