Vanorarama neHutachiona hweHIV/AIDS Voratidzira kwaMutare

  • Loirdham Moyo

Vanhu vanorarama nehutachiwana hweHIV muManicaland vangangosvika zana nemusi weChishanu vakaratidzira vachinyunyuta nekuda kwemari dzemutero dzakakwidzwa dzavanonzi vabvise muzvipatara zvekanzuru.

Kanzuru yakakwidza mari inobhadharwa muzvipatara zvayo munguva pfupi yapfuura ichiti ndiko kuti ikwanise kuita mabasa ayo nemazvo uye kukwanisa kubhadhara vashandi vayo.

Vange vachiratidzira ava vange vaine zvinyorwa zvine zvichemo zvavo zvekuti mari isawedzerwe sezvo kuri kuvakanda mumukanwa mamupere. Vanoti parizvino vari kutadza kutowana mari yechikafu chinosungirwa kuti vadye navanachiremba.

VaCasper Pound mumwe wevanorarama nehutachiwana vari mukuru wesangano reFamily Aids Support Trust kana kuti FASO vanoti zvaitwa nekanzuru kutyora kodzero dzavo mukuwana batsiro pahutano.

“Tiri kushunguridzika zvikuru nekuti tiri kukwidzirwa mari dzekuti tiwane batsiro muzvipatara saka hazvina kutimirira zvakanaka. Tiri kuti zvakare hatisi kukwanisa kutorwa maviral loads nenguva yakafanira, uye kumwe kune michina yemaCD4 counts acho haasi kushanda akafa."

Vakaenderera mberi vachiti, "Mauser fee muzvipatara zvekanzuru akakwira pamwechete nemari dzematernity, dzema-ambulance, saka access to health inenge yatokanganisika, maternity yave pa$35, mauser fee avepa$9 kubva pa$3, ambulance yave $15; ukuwo Article 76 yeConstitution ichiti munhu wese ange aine hutano.” Vakadaro VaPound.

Amai Grace Katiyo vanoti havazi kuzokwanisa kubhadhara mari dzave kudiwa nekanzuru idzi.

“Taifunga kuti kana tikadhindisirwa makadzi edu kuchipatara zvingatibatsira zvikuru nekuti patiri kunetseka nekuwana mari yechikafu kwozotizve tonzi bhadharai $9 kuchipatara hakuna kwatingaiwana, uku tiri varwere.” Amai Katiyo vanodaro.

VaPartson Sazunza mukuru wesangano reAids and Rights Alliance for Southern Africa vanoti kuita uku kunopa kuti veruzhinji vanorarama nehutachiwana vashaye nekuda kwekutadza kuwana batsiro kuzvipatara.

“Taona zvakakodzera kuti timache nekuti mafees akaiswa nekanzuru haasi anokwanisikwa kuwwanikwa nevakawanda. Tiri kuita zvakare work against maMillenium Goals akaiswa kunyanya goal number 4 maringe nezvehutano, mafees aya haasi realistic nekuti vanhu havana mabasa uye hakuna mari nekumira kwakaita economy yedu munyika.” Vakadaro VaSazunza

Muzvare Christine Nyemba vanoti kuita kwekanzuru yeguta reMutare kuchapa kugeda-geda kwemeno kune vamwe vanorarama nehutachiwana vakaita saivo vasina kwavanowana chouviri.

“No taramba taneta tange takanyarara kubvira kare tave kuona manje kuti vave kuenderera mberi, vave kuda kupfuma nesu uye vanenge vave kuda kutiuraya manje apa. Isusu varwere vave kuda kupfuma nesu, imagine $9 pamunhu kana ndirini ini mai nemwana nababa inenge iri mariyi manje, mari yedu yakabhadharwa kare, kana vasingadi kudispenser mishonga yedu ngavatipe tichengete toga.” Muzvare Nyemba vakaudza Studio 7.

Meya weguta reMutare VaTatenda Nhamarare vaudza Studio 7 kuti vakangowedzera mari nemadhora maviri chete kuti vape vanamukoti avo vave kusiya basa mukanzuru nekuti vanopihwa mari shoma.

“Takangowedzera nemadhora maviri kubva pa$3 kusvika pa $5. Maro yawedzerwa zvishoma nekuti vanamukoti vedu vave kutiza vachienda kuNamibia.”

Vange vachiratidzira ava vatozopihwa mvumo nedare mushure mekunge mapurisa amboda kuvarambidza. Vange vachiratidzira ava havanawo kukwanisa kupa gurukota redunhu reManicaland Muzvare Mandi Chimene tsamba yenyunyuto sezvo vanzi vange vasiri muhofisi yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Loirdham Moyo