Vanhu vakawanda varohwa nemapurisa nhasi muHarare mushure mekuratidzira kwange kwakarongwa nesangano re#Tajamuka.
Vanhu vanodarika zana vange vachiratidzira vachiti havadi mari dzemabond notes dziri kuda kuparurwa nehurumende muna Gumiguru.
Demo
Vanhu ava vange vave pedyo neTown House apo mapurisa ange akapakatira pfuti, hutsi hunokatyidza uye motokari dzinodira mvura vanenge vachiratidzira atanga kuvarova.
Mumwe mutori wenhau VaThomas Madhuku varohwawo nemapurisa aya.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti vange vachiri mumusangano nekudaro vati tizovafonera kuti tinzwe divi remapurisa.
Demo
Zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanaka zvichikonzerwa nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.
Hurumende inoti chapa kuti zvidai inyaya yezvirango zvainoti zvakatemerwa nyika.
Asi vanopikisa vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakundikana kutonga nekudaro ngavasiye basa.