Panenge patotanga kuita ropa rakaipa pakati pemutungamiri webato rinopikisa VaMorgan Tsvangirai nemutungamiri webato reZimbabwe People First kunyangwe hazvo vaviri ava vakaita musangano pamwe chete nemusi weMugovera.
Chapa kuti paite ropa rakaipa nemweya wakaipa inharembozha inonzi yakachaiwa kunaVaTsvangirai naVaMugabe.
Mutauriri webato rinopikisa reZimbabwe People First VaRugare Gumbo vatenda kuStudio 7 kuti havasi kunyatsonzwisisa kuti sei VaMugabe vakafonera VaTsvangirai asi vati izvi zvinogona kukonzera zinyekenyeke.
Mashoko aya atenderwawo nevamwe vakuru mubato reMDC-T avo varamba kuburitsa mazita avo pachena.
Asi mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vaudza Studio 7 kuti mashoko aya ndeemugotsi matsuro vachiti hapana chibvumirano chakaitwa pakati paVaMugabe naVatsvangirai.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe VaGeorge Charamba avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T VaNelson Chamisa vatiwo kubatana kwakakosha panguva ino kudarika kukandirana nyoka mhenyu.
VaGumbo vatendawo kuti ichokwadi kuti panoda kuitwa mubatira pamwe chuma chemuzukuru.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kunetsana kwavepo uku kunoratidza pachena kuti nyaya yekurwira zvigaro zvinogona kukanganisa mubatanidzwa uyu.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Francis Musoni vanoti kana VaTsvangirai vakaita hurukuro naVaMugabe panogona kuita mutauro.
Muzvinafundo Musoni vatiwo nyaya yekuti ndiyani anotungamira mubatanidzwa uyu inogona kunetsa.
Asi vanotungamira Zanu-PF Youth League VaKudzai Chipanga vati ivo mubatanidzwa uyu kutungana kwembudzi.
Asi VaMusoni vati kubatana kwevanopikisa kwakakosha kana vachida kukunda Zanu-PF.
Sarudzo dzenyika dziri kuitwa muna 2018 uye vakawanda vanotendarana kuti vanopikisa vakasabatana vanogona kukundwa nebato reZanu-PF iro riri kuita zinyeke nyeke nekuda kwekusagadzikana.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Blessing Zulu