Gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko VaSupa Mandiwanzira varamba mashoko ekuti bhiri reComputer Crime and Cyber Crime Bill rakanangana nekuranga Pastor Evan Mawarire nevamwe vakaita seTajamuka avo vari kushandisa nharembozha mukukurudzira vana veZimbabwe kuti varwire kodzero dzavo murunyararo.
VaMandiwanzira vaudza Studio 7 kuti bhiri iri rakanangana kunyanya nenyaya yekutengeserana kwe mabasa ehugandanga anonzi nehurumende iri kuda kudzivirira.
Mapepanhau ehurumende uye mukuru wemauto General Constantine Chiwenga vari kuti mutemo uyu wakanangana nekudzivirira vanhu kuti vasapandukire hurumende vachishandisa nharembozha.
Kunyangwe havo vachiti mutemo wakanangana nekutengeserana, VaMandiwanzira vanotiwo hapana chakaipa kuti hurumende iite mutemo unodzivirira hungandanga.
Bhiri iri riri kutiwo hurumende inokwanisa kukumbira dzimwe hurumende dzekunze kuti dzidzose zvizvarwa zveZimbabwe zvinenge zvichifungidzirwa kuti zviri kuita zvehugandanga.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti hurumende yave kutsvaga uta nemugate zvichikonzerwa nekukundikana kwayo kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi zvapa kuti vanhu vagare vachiratidzira.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaSupa Mandiwanzira