ZIMRA Yokundikana Kuwana Mari yeMitero Yayanga Yakatarisira

  • Blessing Zulu

ZIMRA

Zimbabwe Revenue Authority kana kuti ZIMRA inoti yakundikana nezvikamu zvitanhatu kubva muzana kusvitsa mari yemitero yayange yakatarisira kuwana kubva kumakambani.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti izvi zvichapa kuti kubhadhara mari dzemihoro kuvashandi vehurumende kunetse.

Sachigaro weZIMRA Amai Willia Bonyongwe vati mari yemitero kubva muna ndira kusvika muna Chikumi yange iri pabhiriyoni imwe chete nemakumi matanhatu nemashanu emadhora kana kuti US$ 1, 65 billion kunyangwe yange yakatarisira mari inosvika bhiriyoni imwe chete nemakumi manomwe nemashanu kana kuti US$1,75 billion.

Zimra inonziwo haina kubhadharwa mari inosvika mabhiriyoni maviri nemakambani ari kutatarika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCallisto Jokonya