VaMahiya Voshungurudzwa Vari muHusungwa

  • Thomas Chiripasi
    Blessing Zulu

VaDouglas Mahiya

Mutauriri wesangano revaiva varwi vehondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association kana kuti ZNLWA, VaDouglas Kufakunesu Mahiya vavakamiswa pamberi pedare ramejasiriti muHarare nemusi weChishanu vachipomerwa mhosva yekutuka mutugamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMahiya vakauya kudare vakasungwa necheni uye magweta avo akati vainge vashungurudzwa kuburikidza nekutukwa vari muhusungwa. Nyaya yekusungwa kwavo inotevera gwaro rakanyorwa nesangano reZNLWVA rekuti VaMugabe vave kufanira kuenda pamudyandigere nekuti vakundikana kutonga nyika uye vachitiwo vanoita zvehumbimbindoga.

VaMugabe vakati gwaro iri rainge rakanangana nekuda kupidigura hurumende yavo yavanoti yakasarudzwa nevanhu nekudaro vakarinyora vanofanira kurangwa. Vakabatwa nemhosva, VaMahiya vanotongerwa kugara mujeri kwegore rose.

Mutemo wekuti munhu asungirwe kutuka VaMugabe uyu uri kukwikwidzwa nevanhu vakawanda kudare repamusoro soro reConstitutional Court.

Mutongi wedare ramejastiriti VaVakayi Chikwekwe vakati vachanzwa nyaya yekuti VaMahiya vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete nemusi weMugovera. VaChikwekwe vanotiwo mapurisa anofanira kuferefeta nyaya yekuti VaMahiya vaishungurudzwa nekutukwa vari muhusungwa.

Munyori mukuru wesangano reZNLWA VaVictor Matemadanda vakasungwawo nemapurisa vari kutarisira kupinzwa mudare neMugovera.

VaMahiya vakasungwa nemusi weChitatu uye vakaendeswa kuMatapi Police Station kuMbare. Jeri iri rakanzi nematare harifanire kugara vasungwa nekuti kuvachengetera imomo kutyora kodzero dzavo sezvo richifanira kupwanywa nekuti ragarisa.

VaMahiya vari kumiririrwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights VaAndrew Makoni naVaHarrison Nkomo.

Kubva muna 2010 sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vanodarika zana nemakumi mashanu vasungwa pasi pemutemo uri kutongwa VaMahiya uyu wechikamu cheSection 33 (2) (a) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi