European Union Yoramba Kubvisa VaTomana neVamwe paZvirango

  • Blessing Zulu

VaJohannes Tomana

European Union inoti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa gweta guru rehurumende VaJohannes Tomana nevamwe zana nemakumi maviri.

Izvi zvinotevera kukwira kudare repamusoro reCourt of Justice kwainge kwaitwa naVaTomana. Nyaya yavo vakatanga vaikwidza nyaya yavo kudare reGeneral Court iro rakaamba chikumbiro chavo gore rapera zvakapa kuti vaende kudare repamusoro iri.

EU inoti VaTomana vanoshanda nehurumende kutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavhinga vanoti vakuru vehurumende yeZimbabwe vanofanira kumira kutyora kodzero dzevanhu kana vachida kuybvisirwa zvirango izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga

Asi nhengo yeZanu-PF inova sachigaro wekomiti yezvekudyidzana nedzimwe nyika VaKindness Paradza vati kana EU isingadi kudyidzana neZimbabwe vachasimbisa kudyidzana nenyika dzakaita seChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKindness Paradza