Vanotengesa muMigwagwa Voratidzira muHarare

  • Blessing Zulu

Vanhu vakawanda vanotengesa mumigwagwa vakaratidzira muHarare nemusi weChishanu pamuzinda wameya weHarare, paTown House vakakandirwa hutsi hunokatyidza nekurohwa nemapurisa.

Vanhu ava vainge vachiti havasi kufara nekutorerwa zvinhu kwavari kuitwa nemapurisa ekanzuru.

Vamwe vanhu gumi nevana kusanganisa sachigaro weNational Vendors Union Zimbabwe VaSten Zvorwadza vasungwa nemapurisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSten Zvorwadza


MuZimbabwe hamuna kugadzikana sezvo vanhu vakawanda vari kugara vachiratidzira nenyaya yekuti hupfumi hauna kumira zvakanaka.