Mazana nemazana evanhu vaungana pamuzinda webato rinopikisa reMDC weHarvest House muHarare kuzoona mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai avo vakatanga basa nemusi weChina.
VaTsvangirai vakaudza vanhu ava kuti vanofanira kuramba vakashinga kusvika vakunda, “Munotamba here..Regai timbopinde mumusangano umu. Ndafara chaizvo kuti tasangana ndakuonai. I am ok. We have to continue this fight. Be well.”
Your browser doesn’t support HTML5
Mashoko aVaMorgan Tsvangirai
Izvi zvakonzera kuti pazouye mapurisa anodzivirira mhirizhonga sezvo vanhu vange voramba vachiuya.
Vatsvangirai vakazivisa nyika kuti vainge votora zororo sezvo vange vachirapwa chirwere chegomarara rematumbu.
VaMorgan Tsvangirai
VaTsvangirai vari kupinda mumisangano miviri yakakosha uye nemusi weChitatu neChina vari kutarisirwa kutaura nevatori venhau pamuzinda rebato ravo vachivapira zvinenge zvasungwa mumisangano iyi.
Mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vasimba zvekukwanisa kudzoka mundima.
VaMorgan Tsvangirai
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka