Gweta raPastor Evan Mawarire Rotaura nezveKuburitswa Kwavo muHusungwa

  • Blessing Zulu

Gweta raVaEvan Mawarire, VaHarrison Nkomo vanoti mapurisa ayedza kubika nyaya mudare kuti varoverere asi zvakona n’anga murapwa achida.

VaMawarire vange vari kudare ramejastiriti reRotten Row muHarare uye panze pedare iri vanhu vange vari mavhu nemarara vachitsigira Pastor Mawarire.

VaNkomo vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuda kubika mhosva iyi ndiyo yapa kuti nyaya iyi inonoke kupera.

Pastor Mawarire

“VaMawarire nezuro vainge vachipomerwa mhosva yekupesvedzera vanhu kuti vaite mhirizhonga.

Asi nhasi vange vave kunzi vaida kupidigura hurumende nechisimba. Iyi handiyo mhosva yavange vatanga kupomerwa zvapa kuti mutongi wedare ati mutemo wange watyorwa.”

Pastor Mawarire avo vakazvipira kumapurisa nezuro vachibva vasungwa vange vave kupomerwa mhosva yakakomba yekuda kutyora bumbiro remutemo nekukurudzira kupidigurwa kwehurumende. Izvi zviri kuitwa pasi pechikamu chechimakumi maviri nemaviri, Section 22(2) of the Criminal Law (Codification and Reform) Act.

Asi VaNkomo vaudza Studio 7 kuti havashamisike mapurisa akadzoka zvekare kuzosunga VaMawarire.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyika dzakaita seSouth Africa, America neBritain zviri kuratidzirawo zvichinunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaHarrison Nkomo