Pastor Evan Mawarire veHash Tag This Flag avo vakatungamira kuratidzira kwakaitwa nemusi weChitatu vanoti nyaya yevhidhiyo yemapurisa achirova vanhu vari muhusungwa imwe nyaya iri kuvapa simba rekudaidzira kumwe kuratidzira kwemazuva maviri svondo rino.
Pane mumwe mubereki kuBulawayo ari kupomerawo mapurisa mhosva yekuuraya mwana wake nehutsi hunokatyidza.
Pastor Mawarire vari kukurudzira vanhu kuti vasaenda kumabasa nemusi weChitatu nemusi weChina. Vatiwo vadaidzwa kukamba yemapurisa uko vari kuenda nemusi weChipiri.
Mutevedzeri wemutauriri mubato reMDC- T Muzvare Thabitha Khumalo vadaidzwawo kumapurisa kuBulawayo kuLaw and Order.
Your browser doesn’t support HTML5
Mashoko aPastor Evan Mawarire
Vanhu vakawanda munyika vari kugunun’una zvikuru nenyaya yevhidhiyo iyi inoratidza vanhu vari muhusungwa asi vachirohwa nemboma dzemapurisa.
Your browser doesn’t support HTML5
Teererai Mapurisa achirova vanhu
Asi gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo vaudza Studio 7 kuti havasati vaona vhidhiyo iyi. VaChombo vati vakaiwana vachaferefeta mapurisa acho nekuti hapana munhu ari pamusoro pemutemo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaIgnatious Chombo
Asi vatiwo pane mamwe mavhidhiyo ari kungobikwa nevamwe achitenderedzwa
Zvichakadaro, Imwe mhuri yemubulawayo, iri mukuchema zvichitevera kushaya kwemwana wayo ane gore rimwe chete rekuberekwa mushure mekukandirwa hutsi hunokachidza kana kuti tear gas nemapurisa neChitatu svondo parera.
Kupakwashe Mutasa, akashaika neChina svondo rapfuura uye akavigwa neSvondo kumarinda eLuveve.
Baba vake, VaDavid Mutasa vanoti mapurisa akauya kwavanogara kuBurombo Flats vachirova vanhu uye kukanda tear gas vachiti sei vanga vachiratidzira.
Vanoti mushure makukandirwa tear gas iyi, vakakumbira mapurisa kuti vamhanyise mwana kuchipatara sezvo akanga akachidzva asi mapurisa haana kuterera. Vanoti vakazvowana mukana wekuinda kuchipatara nemusi weChina asi mwana akazoshaya vari munzira.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDavid Mutasa