Mapurisa Osunga Vanhu Mazana Matatu Mukuratidzira

  • Blessing Zulu

APTOPIX Zimbabwe Riots

Sangano reZimbababwe Lawyers for Human Rights ratumira magweta kumativi mana enyika kunobatsira vanhu vakasungwa nemapurisa mukuratidzira kwakaitika munyika nemusi weChitatu.

Vanhu zana nemakumi matanhatu nevatatu vakasungwa nemapurisa mukuratidzira kwainzi #ShutdownZimbabwe.

KuBulawayo vanhu vanodarika makumi masere nevatanhatu vakasungwa uye vari kukamba yemapurisa yeMzilikazi. Hapana mhosva yati yapomerwa vanhu ava asi magweta avo anoti vazhinji vavo vakangokumbwa manheru eChitatu.

Vamwe vasere vakanzi vaiita zvemisarinya paruzhinji kana kuti public nuisance vari kukamba yemapurisa yeBulawayo Central.

Vamwe vashanu vari kukamba yemapurisa yeLuveve vachinzi vaidzivisa vanhu kufamba mudhorobha.

MuHarare varume gumi nevatatu uye mudzimai mumwe chete vakasungwa kuMufakose uye vamwe vapfumbamwe vakasungwa kuBudiriro. KuVictoria Falls, vanhu gumi nevatanhatu vakasungwa vakagara mujeri husiku hwose mushure mekuratidzira murunyararo.

Vamwe vemichovha vapfumbamwe vakasungwawo. kuZvishavane vanhu vatanhatu vakasungwawo uye vachaendeswa kukamba yeGweru Central.

KuMasvingo vanhu vatanhatu vakasungwa vachinzi vaiita zvisina kufanira. KuChipinge varume vaviri vakasungwa vamwe vaviri vakasungwa kwaGutu.

Zimbabwe Lawyers for Human Rights rinotiwo vanhu makumi maviri nevasere vakasungwawo kuBeitbridge vakatongerwa mhosva yekuita mhirizhonga zvichitevera kuratidzira kwakaitika svondo rapera.

Vamwe vanhu zana neshanu vakasungwawo kuMabvuku neBeitbridge. Mukuru weZLHR Muzvare Irene Petras vanori vazhinji vevanhu ava vakarohwa uye magweta akasimudza nyaya iyi mudare apo paizeyiwa nyaya yemari yechibatiso.

Vakawanda vari kutarisira kumiswa pamberi pedare nemusi weChishanu.