Vanhu vakawanda muChinhoyi vakateerera kurudziro yekuti vasaende kumabasa sezvo zvitoro zvakawanda, mabhangi nezvipatara zvanga zvakavharwa.
Kuratidza kuti zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka vanhu vanoita mabasa emaoko havana kuenda kubasa kana kumisika. Mabhangi akaita seStandard Bank neBancABC anga akavhara ukuwo mabhangi anga akavhura anga asina mari yekupa vanhu.
Izvi zvakakonzera kuti vanhu vashoma vanga vauya mudhorobha vakurumidze kudzokera kumba.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Loirdham Moyo
Zvichakadaro, muguta reMutare mange muine runyararo asi muine mapurisa anodzivirira nyonga nyoga akawanda mumigwagwa nemumisika. Mabhazi anotakura vanhu kuenda kunzvimbo dziri kure ange ari mashoma pamusika weHuku.
Muzvikoro zvizhinji vadzidzisi vange vachitoonekwa vari panze vachitodziya zvavo mushana, zvigaro zvevana zvakakwidibirwa, vamwe vana vachitamba pazvivanze zvezvikoro zvavo. Chikoro che 3 Brigade chete ndicho change chakavhurwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Arthur Chigoriwa