Masangano akawanda munyika akaita seHash Tag This Flag, Tajamuka nemamwe ari kukurudzira vanhu kuti vasaende kumabasa nemusi weChitatu vachiratidza kunyunyuta kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika anoti haasi kuzodzokera kumashure nehurongwa uhu.
Izvi zvinotevera kuratidzira kwakaitwa muHarare nemusi weMuvhuro vachiti vaneta nenyaya yehuori hwavanoti huri kuitwa nevakuru vehurumende nemapurisa.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanira kumira tsika yekupisa nekupwanya zvinhu uye kurwisa mapurisa.
Asi zvisati zvamboitika munhoroondo yenyika sangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation National War Veterans Association rati harione chakaipa nevanhu vanoratidzira murunyararo.
Vesangano iri vatiwo havasi kufara nenyaya yekuti hurumende haisi kuvapa zvayakavavimbisa.
Mutauriri wevakarwa hondo VaDouglas Mahiya vanoti nyaya yekuratidzira iri mubumbiro remitemo rakavhoterwa nevanhu vose munyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaDouglas Mahiya
Vanotungamira Hash Tag This Flag Pastor Evan Mawarire vakaudza Studio 7 kuti hapana kudzokera shure pahurongwa hwavo sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika.
Mutauriri wesangano reTajamuka iro rinova mubatanidzwa wevechidiki mumapato ezvematongerwo enyika uye vemasangano akazvimira oga VaPromise Mkwananzi vanotiwo hurongwa hwavo hwekuratidzira huri kufamba zvakanaka.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPromise Mkwananzi
VaStan Zvorwadza vesangano reNational Vendors Union of Zimbabwe vatiwo naivo vari kutsigira kuratidzira kwemusi weChitatu.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaStan Zvorwadza
KuMasvingo kunonzi hakuna kumira zvakanaka sezvo vagari vari kunzi vange vabuda mudhorobha na 7 manheru emusi weChipiri. Vanhu vane chitsama vemasangano akazvimirira oga vakambosungwa vachinzi vaironga kuratidzira.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCommunity Tolerance Reconciliation and Development (COTRAD), VaZivanai Muzorodzi vanoti vari kuenderera mberi nekuratidzira kuMasvingo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaZivanai Muzorodzi
Zvichakadaro vechidiki muZanu-PF varikushora nyaya yekuratidzira kuri kurongwa nevanhu uku.
Mutevedzeri wemunyori anoona nezvevechidiki mubato iri VaKudzanai Chipanga vakaudza nhepfenyuro yeZBC kuti vanhu havana fanire kutambira kuridziro yekuratidzira nemusi weChitatu. Vatiwo mapurisa anofanira kuona kuti munyika mune runyararo.