Mumwe murume wekuWatsomba kuMutasa Central mudunhu reManicaland akakwanisa kugadzira pombi inotora mvura munzizi kana mumadhamu ichizoshandiswa mudzimba kana vanoda kuita zvekurima vachishandisa madiridziro kunyanya munharaunda dzinonaya mvura shoma uye vaya vanogara munzvimbo dzakakwirira.
VaOnious Maruza avo vane makore makumi matatu nemashanu ekuberekwa vanoti vakagadzira pombi iyi mukutanga kwegore rino. Pombi yavakagadzira iyi haishandisi magetsi asi inongizvishandira ichishandisa simba revhu kana kuti gravity muchirungu.
VaMaruza vanoti muchina wavo unoita kuti vagari venzvimbo dzakakwirira kunyanya kumaruwa vakwanisewo kuwana mvura yekushandisa pasina dambudziko rekuti hapana moto wemagetsi. Pombi yavo iyi vakaitumidza zita rekuti MATEC zvichireva kuti Maruza Appropriate Technology.
“Invention iyi ndakaiita munaFebruary this year and muchina uyu ndakaupa zita rekuti MATECH pump zvichireva kuti Maruva Appropriate Technology. Invention iyi ndakayiitira kune vanhu vasina access yemvura yegravity, so that mvura inokwanisa kutorwa kubva kwakadzikira ichikwira gomo kusvika paya pasina access yegravity saka ndosaka ndakafunga nezvekugadzira pump iyi.”
VaMaruza vanoti Havana zvavo kunyanya kuenderera mberi nedzidzo asi vakadzidzira basa iri pachikoro chinoita mabasa emaoko makore gumi nemasere apfuura.
“Inini kuchikoro ndakagumira Form Four, ndikazoenda kuSilveira House that was in 1998 ndikaita fabrication asi ndichiita inonzi tool making, saka tool making inobata basics e-engineering ese saka from there handina kana kuzombodzoka kumashure. Saka naizvozvo ndikangoona chinhu, ndikafungazve kuti chakaitwa nemunhu ndaibva ndti saka ndinofanira kuchiitawo as long chiri chesimbi.”
Vanotiwo kusvika ikozvino pombi yavo hausati wawana vakawanda vati vanoda kuushandisa kubva kumasangano akazvimirira oga anoshanda kumaruwa kunyangwe vamwe vakabvunzurudza nezvavo vachivimbisa kuzodzoka kwavari.
“Parizvino hapana vandati nda-approacha kunze kwaHonourable Saruwaka (Trevor- Mumiriri we Mutasa Central kuParliament.) ndivo vandati ndaapproacha uyezve nachief executive officer veMutasa District council vaGeorge Bandure. Kuma-organisation hakuna vati yambosvika kunze kweveCare vakambouya vakaona asi kusvika mhasi hapana chandati ndanzwa kubva kwavari.”
VaMaruza vanotiwo kune nzvimbo dzinonaya mvura shoma vanokwanisa kushandisa pombi iyi pamadiridzo avo kana vamboichengetedza mumadhamu kana matangi avo.
“Iyi pump ndakanyanya kuigadzirira kune vanhu vanogara kumaareas asinganayi mvura zhinji aya kuti at least nenzara iri kuitika nenyaya yekuti mvura iri kunaya iri shoma, saka nepump iyi vanhu vanokwanisa kuharvesta mvura kuisa mutanka saka paya panonzi mvura yashaikwa kana kuti yanonoka kunaya anokwanisa kutora mvura iri mutank achikwanisa kuita madiridzo mumunda.”
Studio 7 haina kukwanisa kutaura naChief Executive Officer weMutasa Rural District Council VaGeorge Bandure sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi mumiriri weMutasa Central mudare reparamende VaTrevor Saruwaka vanoti vanofara nebasa rakaitwa naVaMaruza.
VaSaruwaka vakavimbisa kuti vachabatsira kushambadzira pombi iyi kune vamwe vavo kuparamende uye nevamwe vemasangano akazvimirira anoshandira kumaruwa kunyanya munyaya yekupedza nzara muvanhu.
“Ndichiona dzine mukomana uyu ipfungwa dzekuti tinokwanisa kuti upenyu hwevanhu vedu munyika yedu yeZimbabwe hureruke kunyanya kuMutasa Central nzvimbo inenzizi dzakawanda asi pamwe pacho pasina mukana wekuti panoshandiswa gravity kuti vanhu vatore mvura yemadiridziro kana yekushandisa mudzimba."
Vanoendereeraa mberi vachit, " Mukana waunzwa neMatech pump yakagadzirwa naOnious Maruza unopa kuti tinge tave nemukana mukuru wekuti tibatsirike. Asi chandakaona ndechekuti pfungwa dzake idzi dzinoda kuti pange paine vanhu vanopindira kuti akwanise kunyatsogadzira mapump mahombe.”
VaMaruza vanoti pombi dzavari kugadzira idzi dzinotangira pamadhora mazana mashanu zvichienderana nekukura kwayo. Parizvino varimubishi kugadzira imwe pombi inenge ichizoshandisa biogas.
Nekuda kwemutengo wepombi iyi vanoti vagari vanokwanisa kuita zvikwata zvikwata zvevanhu kana gumi votenga pombi yavo yevagari venharaunda yekuitisa madiridzo.