Hurumende Yotsika Madziro PaNyaya yeKumisa Zvimwe Zvinogadzirwa Kunze Kuti Zvisapinde muNyika

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvemaindustry VaMike Bimha vanoti kutanga muna Chikunguru, ZIMRA inenge yotevedzera mutemo wakadzikwa hwekumiswa kwekupinda kwezvimwe zvinhu munyika nevanhu vasina marezinesi.

Hurumende yakaparura mutemo unonzi Statutory Instrument Number 64 uyo uchapa kuti zvinhu zvakatarwa mumutemo uyu zvisabvumidzwe kupinda munyika.

Zvinhu izvi zvinosanganisa masalad creams, mukaka, mafuta ekubikisa, zvekuvakiusa, mafotereza, matayi edzimotokari, cheese nezvimwe.

VaBimha vanoti masangano akaita saana Confederation of Zimbabwe Industries neZimbabwe National Chamber of Commerce ndiwo akakumbira kuti vambomisa kupinda kwezvinhu izvi munyika.

Vanotiwo hurumende inokwanika kuwana mari yemitero yakawanda kana vemunyika vakwanisa kugadzira zvinhu zvakawanda. Vatiwo izvi zvinopa kuti vanhu vakwanise kuwana mabasa.

Hurumende mavhiki apera yakamboyedza kurambidza zvinhu munyika asi pakaita mhirizhonga pabhodha reBeitbridge vangu vachiramba kutambira hurongwa uhu.

Asi rwendo rwuno hurumende inonzi ichaendesa mapurisa akawanda mumabhazi nekusunga vemabhazi vanenge vabatsira kupinza zvinhu munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMike Bimha