VaNelson Chamisa Vorohwa muDare reParamende

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Mudare reparamende munonzi manga maita mhirizhonga apo nhengo yeZanu-PF inomiririra Zvishavane-Ngezi VaJohn Holder vabaya nechigunwe nekusunda nhengo yedare reparamende yeMDC VaNelson Chamisa.

Izvi zvinotevera mashoko anzi ataurwa naVaChamisa mudare reparamende ekuti vamwe vanhu veZanu-PF havagone kuverenga.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kuti tinzwe kuti divi ravo nematanho avachatora.

Nhengo dzeZanu-PF neMDC dziri kukandirana makobvu nematete mudare iri panyaya yebhiri remutemo reLocal Government Amendment Bill iro richapa masimba kugurukota rezvematunhu kuti rikwanise kudzinga mameya nemakanzura basa.

MDC inoti zviri kuitwa hazvisi pamutemo. Asi Zanu-PF inoti MDC iri kuda kungovharidzira kuti mutemo uyu usazadzikiswa.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti havangakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo yave kutarisirwa kukwira mutarara.

Nyaya yekurwa mudarare reparamende inokwanisa kuendesa nhengo dzedare reparamende kujeri. Muna 2004 vaiva nhengo yedare reMDC VaRoy Bennett vakaendeswa kujeri kwegore rose mushure mekunge vasunda gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa.

Muna 2007 VaChamisa vakamborohwawo nevanhu vasingazivikanwe panhandare yendege yeHarare International Airport. Vanhu vakarova VaChamisa ava vanofungidzirwa kuti vasori.