Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChipiri vakapinda mumusangano weSADC Double Troika kuGaborone, Botswana kuti vazeye nyaya yekunetsana kuri muLesotho.
VaMugabe avo vanzi vange vachiratidza kunge vasiri kunyatsonzwa zvakanaka vanonzi vatambirwa nemufaro nevanhu vemunyika iyi.
Mutungamiri weBotswana VaIan Khama ndivo sachigaro weSADC parizvino. Nyika dziri muDouble Troika iBotswana, Zimbabwe, Swaziland, Mozambique, South Africa neTanzania.
Vatungamiri venyika vanosanganisa Mambo Mswati vekuSwaziland vanova mutevedzeri wasachigaro weTroika, mutungamiri wehurumende yeTanzania VaKassim Majaliwa, mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa, uye mutungamiri wehurumende yeLesotho VaPakalitha Mosisisili. VaRamaphosa ndivo mutongi gava weSADC pagakava riri muLesotho.
Pamusangano uyu, SADC Troika inonzi yakaumba komiti yevanhu vasere vanonzi vachabatsira Lesotho mukuzadzikisa zvinhu zvakanzi zviitwe neSADC Commission of Enquiry. Parizvino Lesotho iri kutongwa nehurumende yemubatanidzwa.
Vamwe vesangano rinorwira kodzero dzevanhu veZimbabwe Vigil vari kuBritain vainge vanyora tsamba yenyunyuto kuna VaKhama vachiti vanofanira kuzeya nyaya yeZimbabwe pamusangano vanoti havana kushamiswa nedanho reTroika rekusazeya nya iyi. Vati SADC ine nhoroondo yekuregera VaMugabe vachiita madiro aJojina.
Asi zvinonzi nyaya iyi haina kupinda mudariro. VaFungai Mabhunu veZimbabwe Vigil vanoti vane chivimbo chekuti VaKhama vachapindura tsamba yavo kunyangwe nyaya iyi isina kuzeyiwa kuSADC.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaFungai Mabhunu