Vedzisvondo vakaratidzira muHarare nemusi weMuvhuro vachiti gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora vanofanira kusiya basa nepamusana pemhiko dzavakati dziitwe muzvikoro idzo dzinonzi nevedzisvondo ava dzinotyora kodzero dzekunamata chitendero chavanoda.
Nhengo dzemubatanidzwa wedzisvondo dzakasiyana-siyana uri kuzvidaidza kuti Prayer Network of Zimbabwe dzaungana muHarare dzichiratidzira kusafara kwadzo nedanho rakatorwa nehurumende kuti vana vaite mhiko muzvikoro dzekuti vanoda nyika yavo.
Varatidziri ava avo vanga vachidarika zana vange vachiratidzira vakatakura michinjikwa nezvinyorwa zvakasiyana-siyana kubva panosangana migwagwa inoti Jason Moyo naJulius Nyerere.
Vatenderera nedhorobha rose vachiimba nziyo dzesvondo dzanga dzakasangana nedzimwe dzanga dzichitsoropodza VaDokora nehurumende.
Vasvika paparamende, varatidziri ava vambomiswa nemapurisa anodzivirira mvongamupopoto asi mushure memaminitsi anokwana kuita mashanu varatidziri ava vazobvumidzwa kuenderera mberi nekuratidzira mushure mekunge varatidza mapurisa aya tsamba yekuti vakange vakazivisa mapurisa kuti vacharatidzira nhasi.
Mumwe wevaratidziri ava, VaObert Masaraure, vanove mudzidzisi zvakare, vati vari kumanikidzirwa nehurumende kuti vatorese vana mhiko idzi muzvikoro asi vanoti havasi kufara nazvo.
Mumwe wevaratidziri ava, VaPatson Dzamara vati yakwana zvino nguva yekuti vedzisvondo vachienda pamberi kugadzirisa zvirikunetsa munyika.
Mumwe mufundisi anga achiratidzirawo nhasi VaAncelom Magaya vati mhiko idzi idzo dziri kudaidzwa kuti national pledge dzakaipira zvinhu zvakawanda.
Vati pane zvinhu zvakawanda zvinofanira kuitwa nehurumende kwete kuswera ichitemesa vanhu nezvinhu zvisina mature zvakaita semhiko idzi.
Mutungamiri wePrayer Network of Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vati sangano ravo riri kupa VaDokora mazuva maviri ekubvisa mhiko idzi muzvikoro kana kuti vosiya basa.
Paratidziro dzaitwa nhasi panga paine vemapato ezvematongerwo enyika vanosanganisira mutungamiri weZunde, VaFarai Mbire, mutungamiri weDare, VaMathias Dzikiti pamwe nemutungamiri weboka revechidiki muMDCT, VaHappymore Chidziva.
VaDzikiti vati yave nguva yekuti VaMugabe vachibva pachigaro vachiti nyaya dzemhiko dzirikunzi vana vatore muzvikoro mufanekiso wekuti hurumende yavo yarasa gwara.
VaDzikiti vati vanhu havafanirwe kumakidzwa kunamata chitendero chavasingade vachiti vedzisvondo vanofanira kusarudza vatungamiri vanotya Mwari.
Zvichakadai, vamiriri vevaratidziri ava vaita musangano nemutevedzeri wegurukota rezvedzidzo VaLarry Mavhima pamahofisi ebazi iri apa varatidziri vachienderera mberi nekuratidzira.
Mushure memusangano uyu, VaMavhima vaudza Studio 7 kuti havakwanise kutaura nezvenyaya iyi sezvo ichiri kumatare vachiti vakasungwa mbiradzakondo nemutemo.
Vamwe vanga vari mumusangano uyu vati nyaya iyi yavekufanira kuitirwa referendamu asi VaMavhima vati izvi zvinhu zvinotora nguva.