Vanhu vaviri vakambochengetedzwa muHarare nemusi weChishanu mushure mekuratidzira kwaitwa nevagari vachinyunyuta nekugara kuri kuita mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko muhotera kwenguva refu vachishandisa mari yehurumende.
Varatidziri vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vakabva kumasangano anoti National Vendors Union of Zimbabwe, Restoration of Human Rights pamwe nemubatanidzwa wemasangano echidiki uri kuzviti Tajamuka vakapinda muhotera yeRainbow Towers vachiti VaMphoko vanofanira kubuda muhotera iyi nechimbichimbi.
Mumwe wevaratidziri ava, VaIshmael Kauzani vati vati havasi kufara kuti VaMphoko vave kuda kutosvitsa makore maviri vachigara muhotera iyi kubva pavakagadzwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika muna 2014 vachishandisa mari yemuhomwe yehurumende asi veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.
Mashoko aVaKauzani atsinhirwa naMuzvare Value Dick Mgagara avo vati mari irikubhadharirwa VaMphoko kuti vagare muhotera nehurmende zviri nani kuti ishandiswe kugadzirisa zvimwe zvinhu zviri kunetsa munyika zvakafanana nekuwanisa veruzhinji mvura yakachena.
Varatidziri ava vaita kuti vanhu vanga vari pahotera iyi vatize mushure mekunge mapurisa anorwisana nemvongamupopoto asvika akavhara mikova yose yehotera iyi ndokusunga sachigaro weNational Vendors Union of Zimbabwe, VaStan Zvorwadza pamwe nemumwe muratidziri watisina kuziva zita rake.
Vamwe varatidziri vakwanisa kuvhura mikova yehotera iyi ndokumhanya vakananga kugedhi rinopinda nevanhu nedzimotokari pahotera iyi vachiedza kuvharira motokari dzanga dzatakuriswa vasungwa ava.
Asi mapurisa anorwisana nemhirizhonga abva atanga kurova vanhu ava zvabva zvaita kuti vaite rutsoka ndibereke vachiita aziva kwake aziva kwake.
Panguva yanga ichiitika zvose izvi, VaMphoko nemhuri yavo vanga vari muhotera iyi.
Zvichakadaro, mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 parunhare kuti havasi kuzosiya vanhu vachingoratidzira pamadiro vachiti mapurisa achaedza napose paanogona napo kuti achengetedze runyarararo munyika.
Amai Charamba vati vose vanoda kuratidzira vanofanira kutanga vapihwa mvumo nemapurisa kwete kuita zvaitwa nevaratidzira ava.
Nekune rumwe rutivi, bato rinopikisa reMDC intoungamirwa naVaMorgan Tsvangirai raburitsa mashoko richishora VaMphoko nekugara kwavo muhotera. MDC-T yati chinhu chinoyadzisa uye kushoresa kuti VaMphoko vagare muhotera vachidya mari yehurumende asi ruzhinji rwusina chekubata uye hurumende ichitadza kubhadhara vashandi vayo.
Tsvagiridzo yeStudio 7 yaburitsa pachena kuti VaMphoko nemhuri yavo vari kubhadhara hotera mari inoita madhora mazana mana nemakumi matatu ($430) pazuva inenge ichibva muhomwe yehurumende.
Bepanhau reNewsday rakaburitsa mashoko svondo rino ekuti VaMphoko vakaramba dzimba mbiri dzavakatengerwa nehurumende vachiti dzimba idzi hadzina mutsigo. Imwe yedzimba idzi inonzi inokosha mamiriyoni matatu emadhora.
Studio 7 haina kukwanisa kutaura naVaMphoko kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi