Zvitoro zveVana veZimbabwe Zvopazwa neKubiwa muPretoria

  • Blessing Zulu

Zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo muSouth Africa muguta guru renyika iyi repretoria zvichitevera kuratidzira kunotyisa kwange kuchiitwa nevatsigiri vebato reanc kwasiya vanhu vaviri vashaya vamwe vanodarika makumi mana vasungwa.

Sangano reZimbabwe Exiles Forum rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe munyika iyi rinoti zvitoro zvezvizvarwa zvezimbabwe zvakaputswa nezuro manheru zvikabiwawo zvinhu.

Asi nemusi weChitatu zvinhu zvinonzi zvange zviri nani sezvo mapurisa aenda kunzvimbo dzangedziine mhirizhonga.

Vatsigiri veANC vange vachiratidzira vachiti havasi kufara nekusarudzwa kwakaitwa meya wepretoria amai thoko didiza vanove muzulu munzvimbo inonzi ine verudzi rwechipedi nevechisotho vakawanda. Sarudzo idzi dziri kuitwa musi wa 3 Nyamavhuvhu.

Nzvimbo dzine mhirizhonga dzinosanganisa Mamelodi, Attridgeville ne Hamanskraal.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZimbabwe Eexiles Forum Amai Diana Zimbudzana vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zvavafonera zvichiti zvaputsirwa dzimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Diana Zimbudzana