Hurukuro naPastor Evan Mawarire veThis Flag nezveMusangano Wavo naGavhuna weRBZ

  • Blessing Zulu

Pstor Evan Mawarire

Pastor Evan Mawarire veHis Generation Church avo vakavamba hurongwa hwekuratidzira nemureza hwekuti Hash Tag This Flag (#this flag) nemusi weChina vakatungamira vanhu vakawanda kuenda kuReserve Bank of Zimbabwe kunoita musangano nagavhuna webhanga iri Dr John Mangudya.

VaMawarire vaudza Studio 7 kuti vanhu vakabuda pachena kuti havasi kufara zvachose nechirongwa chekuda kuparura mabond notes chiti kuda kuitwa neRBZ muna Gumiguru.

Gweta Muzvare Fadzayi Mahere vakataurawo pagungano iri vakati zviri kuda kuitwa neRBZ hazvisi pamutemo. Muzvare Mahere vanoti hurumende iri kuda kungoita zvekumbunyikidza vanhu.

Mashoko aya akatsinhirwawo nevanoona nezvehupfumi mubato rePeople’s Democratic Party VaVince Museve. VaMuseve vaudza Studio 7 kuti zviri kuda kuitwa neRBZ zvichatoendesa nyika kumawere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naPastor Evan Mawarire