VaTsvangirai Votaura nezveHurwere Hwavo

  • Blessing Zulu

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai avo vakadzoka kuSouth Africa kwavange vachirapwa vanoti vave kunzwa zviri nani.

Asi vati vari kushushikana zvakanyanya nenyaya yekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika.

VaTsvangirai vaudza Studio 7 kuti vanhu vanofanirawo kupota vachienda kunana chiremba kuti vavhenekwe nekuti chirwere chinogona kuomba mumuviri mavo vasingazvizive.

Pavabvunzwa neStudio 7 kuti vari kusimbirwa nei, VaTsvangirai vati zvekurwara kwavo zviri pakati pavo nachiremba vavo. Vaenderera mberi vakati vanachiremba vemuZimabbwe vakaona zvakakosha kuti vanorapwa kuSouth Africa sezvo paigne paine kusununguka kwakanyanya vachirapwa murunyararo.

Pakamboenda VaTsvangirai kuchipatara cheTrauma Centre muHarare gore rapera vakabva vatanga kuburitswa mubepanhau reHerald vachinyombwa. Panyaya yekuti vachatungamira here kuratidzira kuchaitwa kwaMutare nemusi wa 25 Chikumi, VaTsvangirai vati vachaona kuti vanenge vanyatsonaya zvakakwana here.

Studio 7 iri kuenderera mberi nehurukuro naVaTsvangirai nemusi weChina vachitaura nezvemamiririro akaita zvinhu munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai