Paramende Yoendesa Bhiri reKutongwa kweMatunhu kuVanhu

  • Blessing Zulu

Dare reparamende

Komiti yedare reparamende inoona nezvekutongwa kwematunhu yatanga misangano yakanangana nekunzwa pfungwa dzevanhu pamutemo weLocal Government Laws Amendment Bill munzvimbo dzakasiyana siyana dzenyika.

Misangano iyi yakatanga neMuvhuro uye inopera musi weChishanu, 17 Chikumi. Misangano ichaitwa kwaMutare, Masvingo, Bulawayo, Gweru central neHarare.

Mimwe ichaitwa kuKaroi, Mvurwi, Mutoko neMurehwa uye kuMacheke. Kusavandudzwa kwemutemo uyu ndiko kuri kupa kuti paite kunetsana kwakanyanya munyika panyaya yekuti gurukota rezvematunhu rine simba here kana kuti kwete rekudzinga basa meya akasarudzwa nevanhu.

Sachigaro weCombined Harare Residents Association VaSimbarashe Moyo vanoti gururukota rezvekutongwa kwematunhu riri kuzvipa masimba akawandisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimbarashe Moyo

Mashoko aya atsinhirwawo naVaPeter Liwanda vesangano reChinhoyi Residents Association.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimbarashe Moyo