Bato remMDC-T rinoti rambomisa basa vakafanobata chigaro chameya weHarare VaChris Mbanga basa.
VaMbanga vari kupomerwa mhosva yekusatererera zvisungo zvebato zvikuru panyaya yemunyori wekanzuru kana kuti Town Clerk VaJames Mushore.
VaMbanga vari kunzi varikuterera zviri kuyaurwa negurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere zvekuti vadzingwe basa. Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vaudza Studio 7 kuti VaMbanga vambomiswa basa. “Ichokwadi National Standing Committee yebato redu yakasanga ikatenderana kuti VaMbanga vambomiswa basa.”
VaMowonzora vati munyori mukuru webato iri VaDouglas Mwonzora ndivo vange vachifanira kupa VaMbanga tsamba iyi. VaGutu vatendawo kuti VaMbanga vange vasiri kuterera zvavanoudzwa nevakuru vebati.
Your browser doesn’t support HTML5
Hukuro naVaObert Gutu
Asi VaMbanga vaudza Studio 7 kuti havana kunge vapihwa tsamba iyi. “Pauri kutaura neni apa nditori kupinda muFull council meeting. Nechigaro chaniinacho, VaMwonzora semunyori mukuru webato ndivo vanofanira kundipa tsamba iyi. Havana kundipa.”
VaMbanga varamba kubuda pachena kuti vachatambira tsamba iyi here kana kuti vachaenda kumatare.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaChris Mbanga