Dzimwe nhengo dzeZimbabwe Activists Alliance dzinoti dziri kuunza muguta reBulawayo chirongwa chadzo chekuratidzira kutsutsumwa kwadzo pamusoro pematambudziko akasiyana siyana akatarisana neveruzhinji munyika.
VaGift Ostallos Siziba avo vanove nhengo yesangano reZimbabwe Activists Alliance vaudza Studio 7 kuti ivo nedzimwe nhengo dzesangano vachatanga kuratidzira kutanga nemusi weChishanu manheru muCar Park yepaCity Hall muguta reBulawayo apo vachange vachirara kusvikira musi 16 mwedzi uno.
VaSiziba avo vanoti ivo nevamwe vechidiki vakaita saivo vari kutambura nekushaya mabasa, vati vaona zvakakodzera kuti vaunze chirongwa chekuratidzira ichi muguta reBulawayo senzira yekuedza kusimudzira kuratidza kutsutsumwa kwevanhu kuhurumende pamusoro pematambudziko avakatarisana nawo.
VaPersuade Jena vanove mumwe wechidiki vati vachange vachiratidzirawo, vati kusungwa kwakaita dzimwe nhengo dzeZimbabwe Activists Alliance nevamwewo vemamwe masangano muHarare nemusi weChina hakuvatyise asi kuti kunotovapa shungu dzekuti varatidzirewo semucherechedzo wekutsigira vamwe vavo.
VaJena varamba mashoko ekuti nhengo dzesangano reZimbabwe Activists Alliance nevemamwe masangano akatanga hurongwa hwekuratidzira vachirara muAfrica Unity Square muHarare vari kuita izvi nekuda kwekuti vari kutarisira kupiwa mari nemamwe masangano enyika dzekumadokero.
Vati ivo pachavo vari kuratidzira nekuda kwavo vasingamanikidzwe nemunhu kana kutarisira mubhadharo.
VeZimbabwe Activists Alliance vakabatana nenhengo dzemamwe masangano vakatanga hurongwa hwekuratidzira uhu muguta reHarare pakutanga kwemwedzi uno uye vamwe vevanhu vairatidzira ava vakasungwa nemusi weChina manheru.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Taurai Shava