VaTsvangirai Vanoti Vanoda Kutungamira Kuratidzira kwaMutare

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC-T rinoti rave kuchinja mazuva ekuratidzira kwaMutare kuManicaland kuti ripe mutungamiri webato iri VaMorgan Tsvangirai vange vachirapwa kuSouth Africa mukana wekutungamira kuratidzira uku.

Bato reMDC-T rainge richida kuratidzira kwaMutare musi wa11 Chikumi asi rinoti kuratidzira uku kwave kuitwa musi wa 23 Chikumi.

Munyori mukuru weMDC-T VaDouglas Mwonzora vanoti VaTsvangirai vari kutarisirwa kudzoka munyika mukupera kwesvondo. VaTsvangirai mbune ndivo vanonzi vakati vanoda kutungamira kuratidzira uku

Bato reMDC-T rakaratidzirawo kuHarare nekuBulawayo. Zviuru nezviuru zvevanhu zvakapinda mukuratidzira uku.

Bato iri rinoti riri kuratidzira nekushaikwa kwemari mumabhanga, kupambwa kwevanhu munyika uye kutadza kutonga kwarinoti kuri kuitwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika VaIgnatious Chombo vakamboti mapurisa anosimborambidza veMDC-T kuratidzira nekuti vanenge vanonoka. Asi VaMwonzora vanoti mashoko aya ndeemugotsi matsuro. Vanoti veZanu-PF havadi kuti MDC iratidzire sezviri mubumbiro remutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora