Mapato mashanu anopikisana nehurumende yeZanu PF nemusi weChipiri akanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe pamberi pesarudzo dzichaitwa muna 2018 achiti kubatana kunowoedzera mukana wekubvisa hutungamiri hwaVaRobert Mugabe nebato ravo avo vave nemakore makumi matatu nematanhatu vari muhutongi.
Mapato mashanu anopikisa anoti MDC yaVa Welshman Ncube, Mavambo Kusile Dawn kana kuti MKD, Zunde, Dare pamwe ne Renewal Democrats of Zimbabwe kana kuti RDZ anyorerana chibvumirano chekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa achiti kupinda musarudzo akapatsanurana hakuna zvakunobatsira pakukwikwidzana neZanu PF.
Mutungamiri weRDZ, VaElton Mangoma, vaudza Studio 7 kuti vafara zvikuru nekunyorerana kwavaita chibvumirano ichi nemamamwe mapato.
Kunyangwe hazvo mapato mashanu aya anyorerana chibvumirano ichi, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai pamwe neZimbabwe People First inotungamirwa naAmai Joice Mujuru vanga vasina kumiririrwa asi VaMangoma vati mapato aya angangopinda mumubatanidzwa uyu.
Izvi zvatsinhirirwa nemutungamiri weMKD, VaSimba Makoni avo vaimbove gurukota rezvehupfumi. VaTendai Biti, avo vanotungamira bato reProgressive Democratic Party kana kuti PDP, vanga varipowo pakusainwa kwechibvumirano ichi.
VaBiti vaudza Studio 7 kuti vachiri kuda kumbonokumbira mvumo yekusaina gwaro iri kukomiti huru yebato ravo. Mutauriri weZapu, VaMjobiza Noko, vatiwo vakamirira kuenda kukongiresi yebato ravo kuti vazive gwara richatorwa nebato ravo panyaya iyi.
Mutauriri weMDCT, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 parunhare kuti havana kunge vakokwa pakusainwa kwechibvumirano asi sebato vanotsigira nyaya yekuti mapato aite mushandirapamwe.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wePeople First, VaRugare Gumbo vaudza Studio 7 parunhare kuti havanawo kukokwa kumushandirapamwe uyu uye havana kana kumbotaurwa navo nezvenyaya iyi.
Zvichakadai, VaMangoma vati mapato anenge asaina chibvumirano chemushandirapamwe ichi achazogara pasi owirirana kuti ndiyani achakwikwidza pachigaro chemutungamiri wenyika akamirira mubatanidzwa wemapato anopikisa aya paine nguva yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2018.
Asi vane ruzivo nezviri kuitika munyaya dzenhaurirano idzi vanoti mapato aya amhanyira kuumba mubatanidzwa kuti agokwanisa kuve nemasimba ekuti achatora chigaro chipi ndiyani sezvo variwo vatanga kunyorerana chibvumirano ichi.
Zvinonzi nyaya yekuti achataungamira mubatanidzwa uyu ndiyani ndiyo iri kunyanyonetsa kunyangwe zvazvo paine kuwirirana mumapto anopikisa ose kuti panofanira kuve nemubatanidzwa wemapato ose anopikisa uchakwikwidza musarudzo dzemuna 2018.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi