VaMaziwisa veZanu-PF naVaBhebhe Votatsurana neNyaya yeKuratidzira

VaPsychology Maziwisa

Vanoita zvematongerwo enyika vari kupesana pamaonero avo kufora kwakaitwa nevatsigiri veZanu-PF nemusi weChitatu pamwe nekufora kwakarongwa neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuchaitwa muBulawayo neMugovera.

Nhengo yeZanu-PF inomirira Highfields muparamende, VaPsychology Maziwisa, vanoti kufora kwakaita bato ravo muHarare kwakaratidza zvikuru kuti mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vane rutsigiro rwakawanda.

VaMaziwisa vanoti bato ravo richatsigira VaMugabe musarudzo yemjutungamiri wenyika nekuti ndivo vari kudiwa neveruzhinji.

Nhengo yeMDC-T vachimirira Nkayi South muparamende, VaAbednico Bhebhe, vanoti bato ravo riri kuronga kuratidzira mukupera kwesvondo sezvo riri kunyunyuta nekuparadzwa kwaitwa nyika naVaMugabe kwemakore makumi matatu nematanhatu.

VaBhebhe vanoti bato ravo harisi kuzomanikidza vanhu sezvakaitwa neZanu-PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPsychology Maziwisa naVaAbednico Bhebhe