WASHINGTON —
Muimbi ane mukurumbira munyika Baba Charles Charamba vanoti ivo nemudzimai wavo Amai Olivia Charamba vari mubishi kukwenenzvera dambarefu idzva kunyangwe hazvo pasati pave nezuva rekuri parura.
Baba Charamba vanova mufundisa muchechi yeApostolic Faith Mission vane mandambarefu akawanda zvikuru ava burtsa kubva muna 1987.
Vaburitsa madambarefu anosanganisa Tinashe Akatendeka, Johanne 3;16, Exodus, Sunday Service, Verses and Chapters, Daily Bread, New Testament, Pashoko Pangoma uye Wenazareta.
Muhurukuro neStudio 7 Baba Charamba vanotaura nezve nziyo dzakawanda dzavari kukwenenzverwa.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naBaba Charles Charamba