MDC Inoti Vanhu vemuZimbabwe Ngavabatane Kukurudzira VaMugabe Kubva paChigaro Vachishandisa Nzira Dziri paMutemo

  • Blessing Zulu

Zimbabwean President Robert Mugabe and opposition leader Morgan Tsvangirai

Bato rinopikisa reMDC-T rakaburitsa mashoko kuvatori venhau nemusi weMuvhuro richiti mhuri yeZimbabwe inofanira kubatana yoshandisa nzira dzose dziri pamutemo kuti vamanikidze mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevamwe vari muhurumende yavo kuti vasiye basa nekuti vakundikana kutonga.

MDC-T yati iri kushora zvikuru vanhu veZanu-PF vari kuda kufora nemusi weChitatu vachiratidza kuti vari kutsigira VaMugabe mukufora kwavanoti Million Man March.

VeMDC-T vati vanhu veZanu-PF ava vanofanira kufora vachiti VaMugabe vaende pamudyandigere. Vati hurumende yaVaMugabe yaendesa nyika kumawere munyaya dzezvehupfumi uye iri kutonga nedemo.

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vaudza Studio 7 kuti bato reZanu-PF rapererwa nemazano nekudaro rinofanira kukanda mapfumo pasi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Zvichakadaro, munyori mukuru wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vati vave kukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dzibatane nevamwe mukuratidzira uku.

Vakarwa hondo yerusununguko vaimbe vatsika madziro vachiti havatenderana nekufora uku sezvo vaiti vamwe vechidiki vebato iri vane pamuromo pasingamharwe nenhunzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaVictor Matemadanda