VaMugabe Voshorwa neKurambira paChigaro Vachiti Varungu Vanogona Kudzoka

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe .

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu munyika vachishanda nesangano reHuman Rights Watch VaDewa Mavhinga vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havafanire kurambira pachigaro vachiti vachena vangazodzoka.

VaMugabe vakataura mashoko aya nemusi weChishanu kumhemberero dzekusvitsa makore zana kweUniversity of Fort Hare kuEastern Cape, South Africa kunova kwavakadzidza.

VaMugabe vakati varikuramba vari panyanga nenyaya yekuti vakabva vapambepfumi vanodzoka votanga kutungamira nyika. Vakati vakaramba vari pachigaro hazvife zvakaita kuti vachena vade kudzoka zvekare. VaMugabe ndivo mutungamiri wenyika akwegura kudarika vamwe vose pasi rino sezvo vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga

Munyori mukuru musangano reZimbabwe National Students Union VaMakomborero Haruzivishe vashora VaMugabe nekuramba vachitumira vadzidzi kuFort Hare vamwe vari munyika vachinonga svosve nemuromo. VaHaruzivishe vanoti pane huori hwakanyanya hunoitwa pakupa vadzidzi mukana wekuenda kuFort Hare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMakomborero Haruzivishe