Dare Rorasa Nyaya yaVaTomana yeKuda Vatongi veKunze

  • Blessing Zulu

VaJohannes Tomana

Mutongi wedare repamusoro, Amai Lavender Makoni, varasa chikumbiro change chakaiswa mudare iri nemuchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, chekuti vatongwe nemutongi ari pamudyandigere.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Lavender Makoni, varasa chikumbiro change chakaiswa mudare iri nemuchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, chekuti vatongwe nemutongi ari pamudyandigere kana kuti wokunze panyaya yavo yekuda kubviswa pachigaro neJudiciary Services Commission vachinzi vakakundikana kuita basa ravo nemazvo.

VaTomana vakabatwa nemhosva yekuzvidza matare mushure mekuramba kupa magweta emwana ainzi ainge abatwa chibharo navamuyaradzi kereke mapepa ekuti vachuchise nyaya yavo vega sezvo VaTomana vainge varamba kuchuchisa nyaya yacho.

VaTomana vane imwezve nyaya iri kudare ramagistrate rekuti vainge vaita zvechikiribidi apo vakabvisa vasungwa vaviri muhusungwa avo vaipomerwa mhosva yekuda kubhomba kambani yealpha and omega inonzi ndeyemumhuri yemutungamiri wenyika uyewo kumusha kwavo kwazvimba.

VaTomana vakati vaviri ava vainge vatenda kuita zvapupu zvehurumende. VaTomana vange vachida kuti chikumbiro chavo ichi chiendeswe kudare repamusoro soro reConstitutional Court.

Mutongo uyu wave kureva kuti nyaya yaVaTomana yave kutanga kunzwikwa nedare repamusoro uye vanogona kumbomiswa basa nyaya yavo ichizeyiwa nedare.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo varizve mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati mutongi wedare abaya dede nemukanwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohannes Tomana