Vanhu Votenga Zvekudya Zuva Rimwe Chete neKushaya Mari

  • Blessing Zulu

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti riri kushushikana zvikuru nekushomeka kwemari mumabhanga izvo zvopa kuti mamwe mabhanga ape vanhu mari inosvika madhora makumi mashanu pazuva.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti izvi zviri kukonzerwa nekuti Zimbabwe haina chairi kutengesa kunze zvopa kuti mari ishomeke.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vari kumboyedza kutaura nehurumende kuti igadzirise dambudziko iri asi zviri kukona n'anga murapwa achida sezvo hurumende yapererwa nemazana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo

Mumwe mugari wekuGlen View, Amai Lilian Togarepi, vanoti vanhu munyika vave kutorarama nekutenga zvinhu zvemari shoma shoma.

Tushoma utwu tunonzi nevamwe “tutsaona”.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Lilian Togarepi