Munyori weGuta reHarare VaMushore Vanoti Havasi Kuzomira Kuenda Kubasa

  • Blessing Zulu

VaSaviour Kasukuwere

Zvinhu muguta reHarare zvaramba zvakaita manyama amire nerongo sezvo paine kunetsana kunotyisa pakati pevakafanobata chigaro chameya weguta, VaChris Mbanga, nemunyori weguta, VaJames Mushore.

Nemusi weMuvhuro VaMbanga vakaudza Studio 7 kuti vainge vaudza VaMushore kuti vamire kuuya kubasa kusvika nyaya dziri kumatare dzapera asi vakatsika madziro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChris Mbanga

VaMushore vaudza Studio 7 kuti havasi kuzoregedza kuuya kubasa kunayngwe hazvo gurukota rinoona nezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, vakati vavamisa basa. VaKasukuwere vakamisawo basa meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vachiti vainge vadoma VaMushore zvisiri pamutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJames Mushore

Asi VaManyenyeni vakabva vakwira kudare repamusoro vachiti VaKasukuwere vainge vatyora bumbiro remitemo nekuvamisa basa. Nyaya iyi iri kunzwikwa mudare repamusoro nemusi weChipiri.

Nyaya yekunetsana nezvaVaMushore inonzi yapatsanurawo makanzura eMDC otora mativi akasiyana.

Zvichakadaro, sachigaro wesangano reCombined Harare Residents Association, VaSimbarashe Moyo, vanoti sevagari vari kunetsekana nehondo iri muguta asi vakati vane chivimbo chekuti nhaurirano dzichaitwa dzekugadzirisa bata murefu bata mupfupi iri kuitika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimbarashe Moyo