VaTsvangirai Vanoramba Vachikwezva Chaunga kuMisangano Yavo kuMasvingo

  • Blessing Zulu

MDC-T

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai vari kuenderera mberi nemisangano yavo kuMasvingo vachisangana nenhengo dzebato ravo nevamwe vagari vemudunhu iri.

Munyori mukuru muMDC-T VaDouglas Mwonzora vaudza Studio 7 kuti vanhu vakawanda vakauya pamusangano wakaitirwa paNgundu Growth Point.

VaTsvangirai, mutevedzeri wavo Muzvare Thokozane Khupe, VaMwonzora nevamwe vakuru vebato vainge vari pamusangano uyu.

VaMwonzora vanoti VaTsvangirai vakataura nezvegwara rebato ravo uye zvavachaita vakasarudzwa kuti vatungamire nyika musarudzo dzemuna 2018.

Vanhu vange vari pamusangano uyu vakaudza VaTsvangirai kuti vari kunonga svozve nemuromo sezvo vasina chekudya, Masvingo ndiro rimwe dunhu rine nzara yapfunya chisero.

Sangano reWorld Food Programme rakamboti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nechidimbu vanoda chikafu gore rino. Asi hurumende inoti nzara iyi yakomba uye vanhu vanotosvika mamiriyoni matatu vanoda kubatsirwa nechikafu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora