Vanhu Vakawanda Voenda kuMisangano yaVaTsvangirai kuMasvingo

Morgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vari kuMasvingo uko vari kuita misangano nenhengo dzebato ravo. Misangano iyi yakatangira kuBikita neChitatu uko kunonzi kwakauya vanhu vakawanda kudarika zvaitarisirwa.

Vatsigiri veMDC kuMasvingo

Nemusi weChina, VaTsvangirai vainge vari kwaChivi vasati vaenda kuMashava nemusi weChishanu. Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka vanoti mutungamiri webato ravo achatota mukana uyu kuti anzwewo matambudziko enzara akatarisana nevanhu vemudunhu iri.

VaTamborinyoka vanoti bato ravo ririkushora zvikuru mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nekuda kuita mabiko ebhavhudhe ravo munhu iri vanhu vakatarisana nenzara.

MDC yati maitiro aVaMugabe akafana nemunhu anoita mabiki parufu achipemberera vamwe vaine misodzi pamatama.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka