VaMnangagwa naVaCharamba Vofumurwa KuMusangano weZanu-PF Politburo

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakashorwa zvikuru nemadzimai eWomen's League pakutanga kwemusangano webato iri wePolitburo.

MuZanu-PF mune kunetsana kukuru sezvo potsikanwa konzi pakati pezvikwata zvorwira chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaRobert Mugabe

Chimwe chikwata chinonzi chiri kutungamirwa naVaMnangangwa chimwe chichitungamirwa naamai Grace Mugabe, chichizivikanwa nerekuti Generation 40 kana kuti G40 sezvo chiine vechidiki vakawanda mubato iri.

Mumiriri weHurungwe East mudare reparamende amai Sarah Mahoka vatiwo VaMnangagwa havafanire kuita kunge dhakisi rinongofemera pamusoro vana vachienda negongo vachitadza kutsiura vatsigiri vavo avo vanzi vave kunetsa vamwe vasingavatsigire mubato nenyaya yekuda chigaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aAmai Sarah Mahoka

Amai Mahoka mumashoko anonzi kutyisidzira vakayambirawo VaMnangagwa kuti vanogona kutsvira mumba.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvinovhundutsa kana pachitariswa firo yevaive mukuru wemauto General Solomon Mujuru vakatsvira mumba zvisina tsananguro muna 2011.

Amai Mahoka vakatiwo vanoda kuziva kuti VaCharamba sei vari kutora basa remutauriri webato reZanu-PF.

Mutungamiri wenyika VaMugabe vakashora nyaya yekunetsana mubato iyi. VaMugabe vakati vainge vanzwa kuti pane vatsigiri vebato ravo vainge varohwa vachiyedza kuenda kumusangano uyu.

Amai Mahoka vakazoti vanhu vainge varohwa ava vaibva kuMidlands uye vanonzi vairohwa vachinzi vaida kuenda kuHarare kunobvisa VaMnangagwa pachigaro.

Zvichakadaro mapurisa ange akapakatira zvombo, hutsi hunokatyidza uye aine motokari dzinoshandiswa kana paine mhirizhonga kana kuti mawater cannonsvainge vari pamuzinda weZanu-PF apo painge pachityirwa kuti panogona kuita mhirizhonga pakati pezvikwata zviri zvorwira hushe.

Asi mhirizhonga yange ichityirwa kuti inogona kuzoitika haina kuitika sezvo vesangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association vasina kuzouya kuzodzivisa makurukota maviri anoti redzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo uye rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere mukupinda mumusangano uyu. Vaviri ava vanonzi vari kuchikwata cheG40.

Asi vakauya vakawanda madzimai eWomens League nevechidiki veYouth League vazhinji vacho vachitsigira chikwata cheG40.

Vakaungana ava vanonzi vainge vakwidzwa mabhazi nechikwata cheG40 kunyangwe bepanhau rehurumende reHerald rainge richiti vainge vauya kuzoita mhirizhonga sezvo vakawanda vacho vange vasingazive chinangwa chekuuya pagungano iri.

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Liberation War Veteran’s Association VaVictor Matemadanda vanoti veG40 vaida kuunganidza vanhu ava kuti varwisane navo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaVictor Matemadanda

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mubhodhi resanangano reZimbabwe Democracy Institute Muzvare Gladys Hlatywayo vanoti bato reZanu-PF rapindwa naPongwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatywayo