Chikwata Chinotsigira VaMnangagwa Chodududza paHondo yeMusangano wePolitburo

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Munyori mukuru wesangano revakarwa hondo reZimbabwe Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda vanoti sangano ravo radududza pachisungo charo chekuti riri kuda kumisa gurukota rezvedzidzo yepamusoro muzvinafundo Jonathan Moyo uye gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere kuti vasapinde mumusangano wePoltiburo.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekukonzera nyonga nyonga mubato iri iro roita kunge bhasikiri raTizira rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunurwa.

Paita hondo pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nechimwe chinonzi chiri kutsigira amai Grace Mugabe chinozisikanwa nekuti Generation 40.

Zviri kubuda mukuwrisana uku zviri kubuditsa pachena kuti vakarwa hondo vakawanda vari kutsigira VaMnangagwa madzimai achitsigira chikwata cheGeneration 40.

Zvichakadaro, pari kutyirwa kuti kunogona kuita bata murefu bata mupfupi pamuzinda weZanu-PF muHarare pari kuitirwa musangano wePolitburo uyu sezvo nhengo dzeZanu-PF dziri keunderera mberi dzichikandirana makobvu nematete.

Vamwe Vakuru vemapurisa vanoti vatogara vakagadzirira kuti panogona kuita mvonga mupopoto.

Mukuru wemadzimai mudunhu reMashonaland West Amai Angeline Muchemeyi avo vanonzi nevamwe vanotsigira chikwata cheGeneration 40 vaudza madzimai ose emusangano wavo kuti vaende nehuwandu hwavo kumuzinda webato iri muHarare. Bazi remadzimai raronga mabhazi gumi nemana kuti atakure vanhu .

Mutsamba yavanyora Amai Muchemeyi vakurudzira madzimai kuti vaende kunotambira mukuru wavo vari zvakare mudzimai wemutungamiri wenyika amai Mugabe apo vanenge vachiuya kuzopinda mumusangano wePolitburo.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reMashonaland West VaEphraim Chengeta vanyorawo gwaro kunhengo dzose dzeProvincial Coordinating Committee (PCC) kuti dziendewo kuHarare kumusangano uyu.

VaChengeta havana kutaura kuti donzvo rekusangana nemutungamiri wenyika ndereyi. Asi vati kungosangana nemutungamiri webato sezvavanogaroita.

VaMatemadanda vati VaMoo naVaKasukuwere vanoda kushandisa madzimai kuti arwisane nevakarwa hondo asi vati havasi kuzoita izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaVictor Matemadanda

Asi izvi hazvina kufadza vamwe mumusangano weZanu-PF avo vanofungidzirwa kuti vanotsigira chikwata chinotungamirirwa nemutevedzeri wenyika VaMnangagwa.

Vaimbove sachigaro wevechidiki mudunhu reMashonaland Central, VaGodfrey Tsenengamu vanoti vanotsigira VaMnangagwa, vanyorawo gwaro vachikoka vechidiki vose mubato pamwe nevana vevaimbove varwi verusununguko kuti vaende kumuzinda webato kuHarare kunotambira mukuru wenyika vasati vapinda mumusangano wePolitburo.

Mutsamba mavo VaTsenengamu vati “Ibasa redu kuchengetedza musangano uyu wemisodzi, dikita neropa, hatingapete maoko musangano uchiparadzwa nembavha, ngochani nevatengesi vanodya nemuvengi’.

VaTsenengamu vazoti kunyange vari kuenda kumuzinda webato reZanu-PF vakazvimirira, vanoshora misangano yakadai inoratidza kunetsana mubato asi vanhu munyika vachinonga svosve nemuromo.

Vanoziva zviri kuitika mubato iri vanoti nhengo dzePolitburo dzichabudirana pachena sezvo paine nyaya dzekurangana nekudzingana mumusangano dziri kubuda.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa