Dare Rotarisirwa Kuzeya Nyaya Yekuti VaMugabe Havachakwanise Kutonga Muna Kubvumbi

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe

Gweta rakaendesa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumatare richiti havachafanire kuramba vari pachigaro nekuti vakwegura uye hutano hwavo hauna kumira zvakanaka, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti vari kutarisira kuti nyaya yavo ichanzwikwa mudare muna Kubvumbi.

Asi vanoti havasati vawana tsamba kubva kumagweta aVaMugabe kupikisa zvavakatura kudare repamuso.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTinomudaishe Chinyoka

VaRobert Mugabe

Asi gweta rine mukurumbira munyika vari mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti zviri kuitwa naVaChinyoka kupedzera hoko padehwe retsindi nekuti bumbiro remutemo rinopa masimba ekuti mutungamiri wenyika haachakwanise kutonga kudare reparamende kweete kumnhuwo zvake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLovemore Madhuku

Asi dare reparamende parizvino rakazara nenhengo dzakawanda dzebato riri kutonga reZanu-PF dzinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika hadzina chidokwa dokwa chekuda kubvisa VaMugabe pachigaro.