Vari kufanotungamira bato reZimbabwe People First kana kuti ZPF, Amai Joice Mujuru, vanoti kune vanhu vakawanda kubva kumapato akaita seMDC-T neMavambo Kusile Dawn vari kuuya kuzoshanda navo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapato aya kana chiri chokwadi kuti nhengo dzawo dziri kunobatana naAmai Mujuru.
Vachitaura kekutanga neStudzio7 mushure mekunyoresa bato ravo neZimbabwe People First, Amai Mujuru vanotiwo kudzingwa kwavakaitwa kubva pachigaro chekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika kwavapa mukana wekuona kutambura kuri kuita vana veZimbabwe sezvo vave kuendawo kunodhibhisa mombe sevamwe vachisanganawo nevanhu vachinzwa zvichemo zvavo.
Panyaya yekushanda nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vatambiswa chamutavanhava muZanu-PF nevanonzi vanotsigira chikwata cheG40 chinotsigira Amai Grace Mugabe, Amai Mujuru vati VaMnangagwa vanofanira kutanga vatambirwa nevanhu kwete kuuya nechigaro chavo kubato reZPF.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Arthur Chigoriwa